The ManicaPost
Zvidzidzo zveChishona naBambo J
NDINOVIMBA kuti mese makava nenguva yakanaka muzvidzidzo zvedu zveChishona.
Chino ndicho chikamu chekupedzisira muzvidzidzo zvedu, asi makasununguka kutibata kuti tibatsirane pane zvimwe zvamunofunga kuti zvakakosha mukiziva rurimi rwamai urwo rwakakosha kudai.
1. Matanda makuru mazunguniswa
2. Matende mashava anovazva doro
3. Matukirwo ababa kunema mwana
4. Matsotsi haagerani
5. Mazvokuda kufa namaronda enyora
6. Mbavha imbatwa, mbavha-rutsoka ishamwari
7. Mbiri matende inoputsika
8. Mbudzi kudya mufenje kufananyina
9. Mbudzi yazvarira pavanhu yati nditandirwe’mbwa
10. Mhembwe rudzi kuzvara mwana ane kazhumu
11. Mhondoro kurura inotanga wayo
12. Mhosva haiori
13. Mhosva inorondwa hakuna mhosva yakaita honye
14. Mhuno hainwi mvura muromo usina kunwa
15. Miti inomera pamwepo hairegi kukwizana kana kune mhepo
16.Mombe yekukumbira ndeyekukama wakaringe nzira
17. Mombe yenjeni kutokama wakasungira
18. Moyo chena unobayisa
19. Moyo muti unomera paunoda
20. Mudzimu vakupa chironda vati nhunzi dzikudye
21. Muenzi haapedzi dura
22 Mugoni wepwere ndeasinayo
23. Mukwasha mukuyu haapere kudyiwa
24. Munhu akanaka haararame
25. Munhu haarerwi nebonde
26. Munhu kufamba kunenge kukavira nyimo, kutizira kuchinge kudyara nzungu, kucheuka kukange kutsindire’shwa
27. Munhu akatsiga anozviganhura pakunwa hwahwa
28. Munongedzo hauzvinongedzi
29. Munyai mutumwa, muridzi wesoko ndiwe
30. Muonerapamwe chuma yemuzukuru
31. Muramba kukombwa muramba hweni
32. Murombo haarovi chine nguo
33. Murombo munhu
34. Muromo chipfukuto unopedza matura
35. Muromo haupi chinopa maoko