Zvinoreva ‘lockdown’

03 Apr, 2020 - 00:04 0 Views

The ManicaPost

Farirayi Machivenyika
MUTUNGAMIRIRI wenyika President Mnangagwa nemusi weChishanu svondo rapfuura vakazivisa kuti vanhu vachambomira kufamba-famba, vogara mudzimba kwemazuva 21 — kwemasvondo matatu azere — kutanga nemusi weMuvhuro (30 Kurume) sedanho rekurwisa kunyuka nekupararira kwechirwere checoronavirusa kana kuti Covid-19, icho chandengendesa pasi rose. Covid-19 yabata mazana ezviuru zvavanhu ndokuuraya zvimwewo zviuru pasi rose. Zvakaturwa naPresident Mnangagwa zvinoreva kuti vanhu vose vemuZimbabwe vari kumbogara mudzimba dzavo kwenguva iyi vachimira kuenda kumabasa nekune dzimwewo nzvimbo — kusara kweavo vanoita mabasa akakoshesesa — kwemazuva 21 aya.

Kusvika musi weMuvhuro pakatanga danho iri, Zimbabwe yanga yava nevanhu vasere vabatwa neCovid-19, uye mumwe chete wacho akafa svondo rapera pamberi.

Mushure mekuziva nezvedanho iri, veruzhinji vakaita chipatapata nemusi weMugovera neSvondo kunotenga nekuunganidza zvinhu zvavanofunga kuti vachazoda kushandisa munguva iyi zvinosanganisira chikafu nemishonga.

Pamazuva 21 ayo akatarwa naPresident Mnangagwa, mabhizimisi mazhinji achange akavharwa asi vanoita mabasa akakosha anobatsira veruzhinji, vanogadzira zvinhu zvinosanganisira chikafu nevezvitoro zvinotengesa mishonga yekurapa (mafamasi) vacharamba vachishanda. Vanhu vari kuenda kumabasa panguva ino, semachiremba, vanamukoti nevashandi vemapazi eHurumende akakoshesesa vari kutakurwa nemabhazi eZimbabwe United Passenger Company (Zupco) neePublic Service Commission (PSC). Mamwe mabhazi, kusanganisira makombi, akambomira kufamba.

Zviri kuitika muchidumbu:

Zvikatanga Muvhuro Kurume 30, 2020

Kwemazuva 21, vanhu vachagara mudzimba vasingaende kumabasa

Zvinotenderwa:

  • Kufambiswa kwezvinhu zvakakosha zvinosanganisira magetsi nemvura
  • Vanochengetedza mutemo vachatumirwa kumativi ose enyika kuti vachengetedze veruzhinji
  • Kana pachinge paitika rufu, vanhu vanotenderwa kuva panhamo havafanirwe kudarika 50
  • Vatyairi vanenge vachida kutenga mafuta edzimotokari pamaservice stations havatenderwe kuburuka mumota dzavo
  • Zvitoro zvinotengesa chikafu zviri kushanda
  • Kutakurwa kweveruzhinji nemakombi kwakamiswa, mabhazi eZupco neePSC ndiwo ari kufamba chete
  • Nhare dzepachena (Toll-free hotline number) i2019
  • Vanofambisa mashoko enhema sepadandemutande resocial media vacharangwa zvakaomarara nemutemo
  • Vanhu vachavhenekwa Covid-19 kumatunhu avari
  • Murwere ari kuchipatara anoonekwa nemunhu mumwe chete, kamwe chete pazuva

COVID-19 chii?

Mumwedzi waZvita 2019, kunyika yeChina kwakanyuka chirwere chitsva checoronavirus. Chirwere ichi chakabva chatumidzwa zira rekuti COVID-19. Chirwere ichi chapararira munyika dzakawanda pasi rose. Denda iri idutu rehutachiona hwakakura zvakanyanya hunokonzeresa kurwara kunosanganisira kupindwa nechando nemamwe marwadzo akasimbisisa.

COVID-19 inopararira sei?

COVID-19 inotapuriranwa nekugumhana uye inotekeshera zviri nyore. Hutachiona hwechirwere ichi hunoparadzirwa kuburikidza nekugumhana kwevanhu nemadonhwe anobva kumunhu anacho sezvinotevera:

  • Mumhepo pakukosora
  • Kugumhana nemunhu ane hutachiona sepakumubata kana kumhoresana nemaoko
  • Kubata chinhu chine hutachiona munhu ozobata muromo, mhuno kana maziso asina kutanga ageza maoko.
  • Kugumhana nezvipfuyo kana mhuka dzemusango dziri kurwara.

Ndinoderedza sei njodzi yekubatira COVID-19?

  • Deredza kuenda pedyo (less than 1 meter) naani zvake kunyanya anenge aine chikosoro kana dzihwa.
  • Dzivirira kugumhana nezvipfuyo kana mhuka dzemusango usino nhumbi dzekuzvidzivirira.
  • Vhara muromo nemhuno netishu kana neruoko pakukosora kana kuhotsira.
  • Rega kubata maziso, mhuno nemuromo.
  • Geza maoko ako nemvura nesipo achichena.
  • Gara kwako woga kwemavhiki maviri kana wabva kunyika ine COVID-19 kana kuti wanga uchigara pedyo nevanhu vane chirwere ichi.
  • Rega kushanya kunzvimbo kana nyika dzine COVID-19.

Share This:

Sponsored Links