Kunzwisisa mutauro weShona

08 Oct, 2021 - 00:10 0 Views
Kunzwisisa mutauro weShona Gudo guru rinofamba rega rinonzi horomba

The ManicaPost

Zvidzidzo zveChishanu naBambo J

SHONA ndechimwe chezvidzidzo chinovanzonetsa vanhu vakawanda.

 

Kwemasvondo anotevera tinenge tichibatsirana muchidzidzo chakakosha ichi, tichitarisa zvinoreva mamwe mazwi nezvirungamutauro sezvinotevera:

1. Mukadzi anozvara vana vakafa anonzi Svusvura.

 

2. Mwana anofira mudumbu anonzi Pfonda.

 

3. Vabereki vakafirwa nevana vose vanonzi Tsuro/muzvarireivhu.

 

4. Muroora mkuru mumusha anonzi Ndangaruvanze/hosi.

 

5. Mkwasha mkuru anonzi Nhangaruvanze.

 

6. Muvhimi wechikadzi anonzi Maisiri.

 

7. Mwana anofa asati amera mazino anonzi Gambe

 

8 Mwana wekutanga kuzvarwa mumhuri anonzi dangwe.

 

9. Mwana wekupedzisira kuzvarwa mumhuri anonzi gotwe.

 

10. Mwanakomana waMambo wekutanga kuzvarwa mumhuri anonzi nevanji.

 

11. Mwanasikana waMambo (Murozvi) anonzi vaMoyo).

 

12. Munda mutsva unonzi gombo.

 

13. Tinorima nzungu nenyimo mutseu.

 

14. Tinorima muriwo mubindu.

 

15. Munda waimborimwa kare unonzi gura.

 

16. Tinorima mupunga mudoro.

 

17. Murume abve zera anonoka kuroora anonzi tsvimborume.

 

18. Mhanje mukadzi asingabereki.

 

19. Ngomwa murume asingabereki.

 

20. Pfunda murume akafirwa nemukadzi.

 

21. Mukadzi akafirwa nemurume anonzi chirikadzi.

 

22. Nherera mwana akafirwa nevabereki.

 

23. Musiyiwa munhu akafirwa.

 

24. Tsiru imombe hadzi isati yabereka.

 

25. Mombe hono inosungwa inonzi dhonza.

 

26. Mhou imombe hadzi inobereka.

 

27. Ramba imombe hadzi isingabereki.

 

28. Mufushwa muriwo wakaomeswa.

 

29. Nyama yakaomeswa inonzi chimukuyu.

 

30. Shupa izai risingatsotsonywi.

 

31. Gavamwedzi mwana anozvarwa nguva isati yasvika.

 

32. Nyemba isingaibvi inonzi nhinhi.

 

33. Manda mafuta enyama.

 

34. Horomba igudo guru rinofamba roga.

 

35. Chitunha muviri wemunhu akafa.

 

36. Munhu asinganzwi anonzi matsi.

 

37. Pakabva zino panosara vende kana kuti nyada.

 

38. Bofu munhu asingaoni.

 

39. Chimumumu munhu asingatauri.

 

40. Mwana anozvarwa akafa anonzi gambe.

 

41. Makudo anorara pachiro.

 

42. Nzuma imombe isina nyanga.

 

43. Tsote imhuka hadzi isingabereki.

 

44. Mombe hono isina kuchekwa inonzi handa.

 

45. Dore imombe yakwegura.

 

46. Munin’ina kana mukoma wemurume wako anonzi muramu.

 

47. Mukadzi washe anoroorwa mushure mewokutanga anonzi vagota.

 

48. Mukadzi washe wokutanga anonzi mukaranga.

 

49. Vahosi mukadzi mukuru paguru.

 

50. Murongo mukadzi mutsva.

 

51. Nyachide mukadzi anodiwa zvikuru pabarika.

 

52. Mukurungai mubereki wemuroora wako, kana kuti vabereki wemukwasha wako.

 

53. Gota imba inorara vakomana.

 

54. Nhanga imba inorara vasikana.

 

55. Murume akwegura anonzi harahwa.

 

56. Mukadzi akwegura anonzi chembere.

 

57. Musikana adarika zera rokuroorwa anonzi tsikombi.

 

58. Musikana asingaroorwi anonzi mbonga.

 

59. Mwana anotanga kumera mazino ekumusoro anonzi durika.

 

60. Munhu akafa karekare anonzi mukare.

 

61. Wedzinza rako akafa karekare anonzi tateguru.

 

61. Munhu akura asi asingaratidzi kuchembera anonzi goremucheche.

 

63. Nzvimbo inobikirwa hwahwa inonzi bikiro.

 

64. Bombwe mukadzi anomiririra panoroorana vaviri.

 

65. Fende munhu anehutsvina.

 

66. Bondwe mukadzi wechipiri pabarika ari munin’ina wemukadzi wekutanga.

 

67. Muripo unopiwa ishe kana achitonga nyaya unonzi chirigo.

 

68. Bakuro chipo chemombe chinopiwa amai vomudzimai nomukuwasha.

 

69. Chigadzamapfihwa mukadzi wenhaka.

 

70. Chimutsamapfiwa mukadzi asi ari hama yemukadzi akashaika anouya kuzoroorwa nemurume akafirwa.

 

71. Chimwayange munhu anotaurisa uye achinyepa.

 

72. Humburukwa murume akafirwa nemukadzi.

 

73. Gwevedzi munhu anotumwa nemumwe kundomupfimbira musikana.

 

74. Mbeveve munhu asingatauri.

 

75. Kana musikana nemukomana vadanana, vanopana nhumbi dzinonzi nduma sechiratidzo cherudo rwavo.

 

76. Nyachide mukadzi anonyanyodiwa nemurume kupinda vamwe vese pabarika kana kuti pachipari.

 

77. Mukadzi mudiki paguru anonzi mukadzinyina.

 

78. Gupuro imari kana chinhu chinobviswa nemurumce kuratidza kuti haachadi mukadzi wake.

 

79. Chekaukama imombe, kazhinji chena isina vara, inobviswa nemurume anenge achida kuroora musikana waane ukama naye.

 

80. Danga imombe dzinobviswa nemukuwasha seroora.

 

81. Mukadzi akambozvara, asi zvikuru asiri pamurume anonzi mvana.

 

82. Munhu anotumwa kufambisa mashoko pakati pemhuri dziri kuroorerana anonzi sadombo.

 

83. Barika kana kuti guru musha une vakadzi vaviri kana vazhinji pamurume mumwe chete, panguva imwe chete.

 

84. Munhukadzi achangobva mukuzvara anonzi muzvere.

 

85. Munhu anotya zvikuru anonzi gwara.

 

86. Mhizha inyanzvi yekugadzira zvinhu zvesimbi.

 

87. Charavanda mukaka mumbishi kana wakakora unomwiwa kana kudyiwa vanhu vapedza kusvusvura.

 

88. Chifemba idoro rinotanga kupiwa vanhu, kazhinji panhimbe.

 

89. Doro rinopiwa vanhu vari pakati pokurima pahumwe rinonzi chiwanano.

 

90. Kudya kwamanheru vanhu vasati vavata kunonzi chirairo.

 

91. Kudya kwavanhu kwamangwanani kunonzi chisvusvuro.

 

92. Hurudza murimi anemukurumbira.

 

93. Nyamukuta munhu anoita basa rekubatsira vakadzi pakuzvara.

 

94.Chirara indima inosara isina kurimwa pakati pedzakarimwa.

 

95. Dongo musha wakatamiwa.

Share This:

Sponsored Links